Health With Ma'am Tatenda
Your Health is Your Number 1 Wealth
06/05/2025
22/05/2024
*Chiii chinokonzera kuti nhengo yababa ipere simba nguva dzebonde*?
WAKAMBOTI here uripakati pekujaivha kukambo kaunofarira mubhawa magetsi obva angodzima. Zvinosvota sei? Izvozvo ndozvinonzwa vana mai vakawanda mudzimba umoo kana chombo chababa chapera simba nguva dzekuti Vange vachifamba nebhora.
Kupera simba kwenhengo yababa kana kuti Erectile Dysfunction (ED) kunoitika kana murume kana kutibaba vatadza kuti nhengo yavo irambe yakamira zvinokonzera kuti murume mese nemukadzi musare nenzara.
Dambudziko irire Erectile Dysfunction rinowedzerawo nezvikamu makumi maviri (22%) kuvarume varipamusoro pe makumi matanhatu(60) uye makumi matatu kuvarume kuvarume vanemakore makumi masere(70) izvi hazvirevi kuti murume wese ari pamakore aya anosangana ne dambudziko iri kwete.
Mutsvakurudzo dzakaitwa ne chikoro chedzidzo zvepamusoro che Texas A&M University ku America dzinoratidza kuti kupera simba kwenhengo yababa kunonyanya kukonzerwa nezvirwere zvinogona zvakawanda mumuviri anonzi iwo ma underlying physical or psychological conditions.
Izvi zvinogona kuva zvakare kuti kunyange murume ane makore mashoma ataurwa ayo anogona kusangana nedambudziko iri.
Tsvakurudzo dzakatarisa kuti ndezvipi zvimwe zvinogona kukonzera Erectile Dysfunction kana kuti kupera simba kwenhengo yababa.
* hezvino zvimwe zvikonzero zvishanu zvinogona kuti simba ripere zvakaonekwa na Texas University A&M.
*1 zvirwere (Medical condition)*zvirwere zvakafanana nechirwere chemoyo zvinogona izvo kuva mvoro-mviro dzekupera simba kwenhengo yemurume. Vana madzikokota vezvehutano vakaona ivo kuti kazhinji kuti zvinhu zvinokonzera chirwere chemoyo ndizvo zvakare zvinogona kupedza simba kwenhengo yababa. Kunevaya vanezvirwere zvemoyo, zviratidzo zvekupera simba kwenhengo zvinogona kuratidza vachiri vadiki nekuti ropa rinenge richivhiringidzika kufamba zvakanaka mutsinga dzemuviri
Dambudziko re atherosclerosis rinova iro kubata kwemukati metsinga mumuviri zvakaonekwa kuti ndozvinokonzera kupera simba kwenhengo zvakare I'm imviro mvoro-mviro dze stroke. Nekuti nguva yebonde ropa rinomhanya mumuviri kana murume anedambudziko rekuti ropa harisi kufa.ba zvakanaka, ropa rinosvikakutsinga dzenhengo rinoitwa shoma zvinova zvinopedza simba.
Zvimwe zvezvirwere zvinogona kukonzera kuti mushini wababa upere simba zvirwere zvakaita se
Shuga kana kuti diabetes, BP,obesity zvirwere zveitvso,(chronic kidney disease) nezvimwe zvakadaro
*2 mishonga (medication)* unemishonga yaurikutora here yakanzi nachiremba utore kana kuti yawakatenga wega mu pharmacy? Kune imwe mishonga inogona kukonzera kuti nhengo yababa ipere simba yakasangana nemapiritsi ekutsvagira hope kana kuti usasurukirwe (Antidepressant), mishonga ye blood pressure kana kuti BP neimwe mishonga. Kunyangwe mishonga iyi ichirapa zvimwe zvirwere nemamwe matambudziko emuviri , inogona kuvhiringana nema hormones emuviri huye nekufamba kweropa zvinova izvo zvinokonzera kuti nhengo yababa ipere simba.
*3. Kushushikana mupfungwa ( Emotional Distress)* kushushikana mupfungwa kunokonzera kutonzera kuti nhengo yababa ipere simba. Kunetsana nemudiwa wako kunogona kuti ushushikane zvekutadza kana kuti nhengo yababa isasimuke kune mhando dzekushushikana kupfungwa dzakasiyana siyana kunetseka mupfungwa ,kufunganya ,kuzvitarisira pasi ,kunzwa kuzvipomera mhosva, zvakare nekutya kukundikana pabonde kunogona kutadzisa nhengo kuti imire kwenguva refu
*4 mararamiro ( lifestyle choices) sarudzo dzezvekudya, kumwa kana mararamiro dzinogona kuvhiringa mashandiro anoita nhengo panguva dzebonde varume vadhafu kana kuti vari overwight, vanoputa fodya zvikuru , vanomwadoro zvemandiriri huye vanoshandisa zvinodhaka nemwero usiriwo vanogona kusangana nedambudziko rekupera simba. Kudya michero inonzi ma blueberry kunogona kuita kuti varume vasanyanye kupura fodya,vamwe Doro shoma zvakare vafarire kuita maexercise
*5. Kukuvara ( Body injury )* kunyange zvakakosha kuita maexercise , ngwarira kuzvikuvadza kuzasi kwemuviri wako sezvo kukuvara kubva muchiuno zvichidzika kunogona kukonzera kupera simba kwenhengo yemurume
Tsvakurudzo dzakabuda mu journal for man's health dzinoratidza kuti hapana hukama pakati pechichovha bhaisikoro nekupera simba
Dambudziko rekupera kwesimba ratekeshera pasi rese kunyika yeAmerica muna 2016, zvakabuda izvo kuti varume mamiriyoni makumi matatu vaisangana nedambudziko iri uye zvirikunzi mugore ra2025 varume mamiriyoni mazana matatu (320 million)vachange vane bambudziko rekupera simba kwenhengo yababa
Zvakakosha kuti varume vaite ma exercise kuti vagare vakasimba .
Ukaona nhengo ichipfava nguva yebonde , chimbotarira zviripamusoro apoo kana une chimwe chezvirere izvo kunyangwe usingazive tinokurudzira kutimushanyire mahofisi edu kuzoitwa full body scan , trapani dambudziko kubva pamudzi kamwe zvichipera.
We care for your health and remember PREVENTION IS BETTER AND CHEAPEST THAN CURE
Tibateyi mubatsirike app/call +263 0786892552
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Telephone
Website
Address
Harare
