Nhaurwa DzeSango Nedziva
Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Nhaurwa DzeSango Nedziva, Health/Beauty, Harare.
Dare rudo
Dare tsitsi
Dare runyararo
Ukabata ipapo wagona ukaona wapotsa ipapo uchigere kuita matare ukanzwisisa kuti fembo ndere kufembedza vakuru vegere pauri kwete hondo aiwa wayaruka pamatare tinonzwa munoisa fembo mumipanda regai tipatsanure nhau yacho
FEMBO REMATARE
panoitwa nhaurirano pakati pako iwe dunga munhu nemhepo (vakuru vekwako ) ndo pakushanda fembo ematare chinofamba ne dare ndo pandareva tsitsi rudo runyararo zvareva kuti iwe uchataura nevakuru vako waka tetekera wakadzikama wakanyorova mhaka uri kuda nhaurirano pamatare saka kuzhangandira ndekwei ???
FEMBO REHONDO
fembo iri ndiri kuona riri kushandiswa pasipo ririkushandiswa zvisizvo ehe hongu hondo dziriko mukurarama asi vazhinji vedu takusikira vasina mhaka hondo
Ndinoti ko tadii kushandisa hondo payaka fanira
Vanetswa nevane zvikwereti
Vanetswa nemujolo
Vanetswa nemadzinza hongu munotenderwa mochirega kuisa chikwarimba
Kabadza
Kana fembo remhondoro pasi hazvisi zvehondoo ko ipo pamuri kuita matare enyu ehondo magara pasi here nevakuru venyu kumatare ? Mapangidzwa here kuti itai chino ne chino kana kuti rava remufungo wako ? Muri kupiwa gwara here nevekwenyu kana kuti muri kuita musanganiswa ? Dambudziko zvawaona kwa sahwira ndizvo zvawava kutedzera fuko ra sahwira ndo rawakushongao iwewe wazviwanepi ? Hauna chako chauri kuita asi rese rauri kutekaidza ndere kwa sahwira matare haafanane munhu ita redzinza rako kwete kuita zvasahwira sahwira ngaave muyananise kwete kugara uri pahupote
Matare nemakwenzi
071 907 071 907 1278
27/01/2026
For all your traditional herbs
+263719071278
29/08/2025
For all your traditional herbs and spiritual awakening call or app
071 907 1278
Follow the Hwesa Chivanhu ,Miti, Sora,Mhuka Zvinorapa channel on WhatsApp:
28/05/2025
Kune vaye varikutambura ne ma marriage avo
Chero unga dai wakasiiwa nemudiwa wako zvarini
Or hamusikunzwanana mumba murikugaro konana
Or uri kudanana nemumwe wako asi hapasisina kunzwanana
Tswaka dendere re shiri iro ne plane pepa
Ndinoda unyore zita rako ne mutupo wako
Onyora zita remudiwa wako pamusoro pezita
Rako ipapo
Ukapedza ndiri kuda utswake saga saga chairo otora waya ukapedza ndinods utore bepa iroro ne dendere iro wozvisungirira me saga senge ukugadzira bora okaka kachibhora kema pepa kaye ne shinda ye grean
Ukapedza ndinoda ugeze naro bira iroro kwe 7 days
Ukapedza tswaka pane churu chinowanikwa majuru
Ochichera oisa bora iroro imomoosiya usina kuvhara majuru
Akarivharira imomi haa imba yako ichamira kwazvo
071 907 1278
Sister page Mai Kim Vacho come and learn
For all your traditional herbs app or call me 071 907 1278
For teachings go to the sister account Mai Kim Vacho
Chii chiri kukutadzisa kuita Mari ??? Hauna chimwe chaunombo funga kunze kwekuti
Ndiri kuda Mari
Ndiri kurota Mari
Ndiri kuda Mari ye development
Ndiri kuda Mari yekubhadhara ma fees ndiri kuda Mari yekunochengeta small house
Ndiri kuda Mari yeku tenga mota ingori nhau yemari chiiko chiri kumbo kutadzisa kuita Mari yacho ????
Ukaverenga mifungo yese yandanyora unoona Mari yacho inopiwa vanhu nemadzinza kuburikidza nemizera nemifungo uye kuronga Saka nhai zvawakaishaya kana zvauri kuishaya uchaita sei ? Vamwe vedu tiri kurarama mu window period tine madzinza akarohwa neshamhu vakuru vedu vakarasa muko madzisahwira aka kwezvao madzisahwira zvava kutipinza Muna taisireva kune vari kumhanya kuno gadzira Mashavi ekumvura vasina kubata dzinza kuburikidza neku potera Kuna sahwira akaporonga matare nhasi iwe wabatwa nembambo vadzimu vakusunga Mari nhasi vanokupa mangwana vokutorera ndo pakubva mufungo wekuromba zvino ukuda kudya vana Vani ??? Tateguru vako vatendera here dare rawapotera ? Cheuka chikaranga chako upiwe zvinokwanirana newe usadya zveku pambara kana kupemha ngaave manake ...
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Kwatinobva kwakasiyana uye zviri mukati memisha yatinobva zvakasiyana siyana, mimwe misha ine hurombwa, ngozi,nedzimwe hondo dzakasiyana siyana nekudaro zvese izvi hazvitadzise dzimu kudzoka kupwere dzaro, kana dzimu radzoka mumusha mune hondo dzinenge dzirimo vangave tateguru vadzoka vanotungamidza muchembere mberi kuti muchembere ava vatsvaire nzira yatateguru ava kureva kufano sudurutsa zvavanokwanisa kusudurutsa uye muchembere ava hapana hondo inovawira kana mhaka dzavanobvunzwa maringe nemusha iwoyo nekuti iwo muroorwa mutorwa mumusha umu
KUTUNGAMIDZWA KWEDZIVA ::::::
Hongu muchembere vaka tungamidzwa mberi zvawo natateguru asi panewo dzimwe hondo dzinozo vakurira nekuti muchembere havanga kwanise kurwisa kana kusudurutsa chikwambo nekudaro muchembere ndipo pavanozo gara pasi natateguru vokurukurirana kuti patsvagwe chembere yedziva ndokunge muchembere ava vagara vasina kuberekana nechembere yedziva, nekudaro chembere yedziva inochizo tungamidzwa mberi kuti irwe hondo dzemumusha umu, vanotungamidza chembere yedziva nekuti hakuna hondo pano pavhu inokunda varwi vekumadziva, zvakadaro hazvo iwe mugarwi hausiwe unotungamidza dziva mberi asi tateguru namuchembere ndivo vanotungamidza dziva mberi
KUPFUPIRWA NEMATENDO EDZIVA :::::
Pakubata kwese nehondo dzese dzinorwiwa nechembere yekumadziva inozodawo kupfupirwa pamwe nekuitirwawo matendo, hongu chembere yekumadziva iyi inenge yakurwirai hondo mumusha menyu asi hazvirevi kuti ndiyo yamuchatanga kupembedza asi munofanirwa kutanga mazadzisa dare ratateguru na muchembere ndokunge vese vachitaura pamutumbi asi kana vasingataure vangouya zvavo kuzo vhumbamira mhwere dzavo ndivo zvakare vamunotanga navo mopa tateguru mavave avo muchembere movapawo masvusvu avo mochizo pfupira nekutenda muchembere wedziva uyo kana paina maerera ndiye wamunozo pedzisira naye, kana madaro dare renyu harizo kushungurudzai
ndatenda.
071 907 1278
*Hanzi musakumbirire nékuti MAtare akavharwa!!*
munhu anotaura zvakadai hana kusiyana nemunhu akapusa.
Vana varikurarwa nechikwambo wonzwa munhu achiti musakanda fodya musakumbirire ndiyani akadaro,morega vana vachifa here nekuti hanzi tateguru havapo
ndovega vanodaira musumo here? machembere nevashavi mavashora here.
mukaona munhu anoti musakumbirire nékuti MAtare akavharwa munhu iyeye akapusa ,headmaster vakashaikwa pachikoro Vana vanorega kudzidzavhere ? mateacher Basa Ravi nderei?
nhasi nhamo ikakukwenyai motadza kukumbirira here nekuti umwevmunhu akapusa arikuti musakumbirire?
pepukai mukande fodya Pasi mutaure
Matare nemakwenzi
071 907 1278
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Website
Address
Harare
